Zvatinoita maringe nerima
(VaEfeso 5:11)
Kunyangwe mukereke,mune avo vano tevera kuchiva kwenyama vachikanganisa kereke bwoni.Tinofanira kuita sei maringe ne avo vanoita mabasa akaipa erima?
1. Rudo rwakan’gora
Vamwe vanoti tinofanira kuvagamuchira nekuvada.Asi irudo chairwo here kusa batikana nemabasa erima?.Pauro ,paaitsinidzira rudo akataura achiti rudo harungambounza mufaro muchivi asi rinounza mufaro muchokwadi bedzi.Mwari vano rayira kuti regai kuva neruwadzano muzvibereko zvakaipa zverima ,asi vanoti tinofanira kuzvifumura izvo zvakaipa.
2. Zvikero zvakavhiringika
Zvino siririsa kuti vazhinji vanotadza kutsaura pakati pezvisakarurama nezvechokwadi.Naizvozvo pavanosangana nemabasa erima mukereke,vanotozvitaura senyaya isina basa kana kutobatana nemabasa iwayo.Izvi zvinoratidza kusavenga chivi nekutadza kukunda wakaipa,zvichizo konzera kudzidziswa kweshoko kusina kufanira.Dzimwe nguva,vanhu vanotadza kutotsaurana nevanoita zvakaipa nokuda kwekuti hukama hwavo hwekuwadzana hwakasimba.Dambudziko riri pakudyidzana nevakaipa zvinozowomesa moyo wemunhu otadza kuona huipi hwezvivi.Vanozongogamuchira chivi mumaonero avo sokuti chinhu chisina kuipa
3. Basa rinoitwa kuna Mwari
Avo vanoshanda zuva nezuva muimba yaMwari vanofanira kunzvera kuti zvavanoita zviri maringe nezvirongwa zvaMwari here.Upenyu hwedu hausi hwekuita zvatinoda,asi kufamba munzira dzakarurama tine mutoro hwekuita zvido zvaMwari.Kana moyo yedu yakachena pamberi paMwari tinova vanhu vakazvipira.Ngatibatanei nekereke murudo ,takavimbika.Upenyu hwedu huchiratidza kuti takasikwa zvehumhizha naMwari.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Zvita 8, 2024, Basa reZuva raIshe
Fumurai mabasa erima
VaEfeso 5:10
Mutariri Sung-Hyun Kim