Chiedza
(VaEfeso 5:13-14)
“Muka ,iwe muvati,muka kubva kuvakafa,Kristu achavhenekera pauri.”(VaEfeso5:14)Vatendi vekare vaiwanzo imba rwiyo rwaka nangana nechiedza kune avo vainge vachibhabhatidzwa.Rwiyo urwu rwakanaka rwai kurudzira kuzvipira kuhupenyu hutsva uye zvaibata pamoyo zvikuru.
1. Kusarudza Chiedza
Chiedza chinoburitsa chokwadi pese pachasvika,ndizvo zvinoitika kunyangwe pamunhu.Anoti aka vhenekerwa nechiedza chinoratidzwa tsvina yose yakavanzika.Vanhu vanopedzisira vasemewa.Zvirokwazvo kuzvidziwa ikoko kusina kushandurwa kwemunhu hakubetsere chinhu.Tinofanira kuita sarudzo yekuramba tiri murima kana kusiya rima racho.Zvino siririsa panhau iyi ndzezvekuti, vazhinji vanosarudza kugara murima imomo.Vano ramba chiedza ichocho kana kutotukirira nekuvhika chiedza
2. Kuita chiedza
Kuti tifambe munzira youpenyu, tinofanira kusiya zvakaipa ,tosarudza chiedza.Avo vano gamuchira chiedza vanowana ruponeso muchiedza.Asi chikuru ndechekuti ivo pachavo vanoita chiedza.Havasingori vagamuchiri vechiedza bedzi asi vave chiedza.Naizvozvo vanovheneka chiedza kune vamwe.Uyo aimbove murima avepamushandira pamwe naMwari,achivheneka chiedza kuvamwe.
3. Kupenyesa chiedza
Kana chivakwa chakazara utsi asi musina chiedza,pane anozo kwanisa kutiza njodzi here nemamiriro akadai asina tariro?Muka,iwe wakarara,Simuka kubva mundufu!Tinopa kutenda nokuti chiedza chaKristu chakativhenekera tikadaira kudana Kwavo.Chiedza chakapenya patakabhabhatidzwa,ndi Mwari vaitidaidza.Isu takagamuchira kudanwa, tava chiedza.Ngatisimukei, tipenyese chiedza kumweya irikushungurudzwa murima.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Zvita 15, 2024, Basa reZuva raIshe
Kristu vachakupai chiedza
VaEfeso 5:13-14
Mutariri Sung-Hyun Kim