Chokwadi

(VaEfeso 5:9)


“Munombo funga kuti vanhu vanokwanisa kuzvipira kumira pachokwadi here vakaedza nepese pavanogona?Bhaibheri rinotiudza kuti hakuna mumwe chete akarurama panyika pano. Ko ivo Mwari havana kutipa chokwadi here kuponesa vanhu vakaaita sesu.Kutsinhidzira kuti vatadzi vamire  pachokwadi hakuna maturo.Chakanyanyo kosha chacho kuziva chokwadi.”

1. Chokwadi ne Kumira pachokwadi
Ichokwadi here?chokwadi chingatsaurwa here nekumira pachokwadi chacho?Panyika,chokwadi chinonzi hachishandiuke,asi,mubhaibheri icho chokwadi chinonzi chinoshanda nekufamba machiri.Kana chokwadi chisingaite kuti munhu afambe muchokwadi ichocho hachisi chokwadi.Kana chokwadi chikatadza kubudisa kunaka,asi chikaita kuti huipi huwande zvinobetsera here kudzidzisa vanhu chokwadi chacho?

2. Mwari we Chokwadi
Mwari ndevechokwadi.Mwari vanozadzikisa zvavanotaura.Vakavimbisa chinhu vanotozvipira kuti vazviite.Tinodada nechokwadi chaMwari uye tinomurumbidza nekuda kwekuti vane chokwadi.Itsika yavo Mwari kuva nechokwadi,nokudaro Jesu vakaratidzawo chokwadi panyika.Jesu vazere nechokwadi naizvozvo vakapiwa zita rokunzi ,”kutenda ne chokwadi”.Isu takabarwa ne Shoko ravo rechokwadi uye Mwari vanoda kuti tivewo vanhu vari pachokwadi.

3. Vatendi vechokwadi

Kunga shaikwa hako munhu asinganyepe.Asi pane musiyano pakati pomunhu anokundikana pakunyepa  neuyo anonyepa bwoni kuti aite zvakaipa.Pazuva rekutongwa pachaiswa mitongo yakasiyana pakati pemhando mbiri idzi dzekunyepa.Ngativavarire kunaka,kururama,nekumira pachokwadi.Iri ndiro basa redu guru semuviri waKristu uye ndicho chikero chinoenderana nekereke.Zvibereko zvekururamisirwa ngazvizadzikiswe zvichibva matiri

Mutariri Sung-Hyun Kim

24 Mbudzi, 2024, Basa reZuva raIshe
Chokwadi sechibereko chechiedza

VaEfeso 5:9
Mutariri Sung-Hyun Kim