hasha dzaMwari
(VaEfeso 5:6-7)
Mwari vakatotiregerera zvivi zvose naizvozvo,hatifanirwe kushungurudzika nezvazvo.Mwari ,rudo.Havangambo sarure kana kusada vanhu kunyangwe vasati vatendeuka .Asi kune vamwe vanoshozhorodza chokwadi vachirasisa vamwe kuti vagare mukutadza ngavoni vachigara muzvivi
1. Vanakomana vokusateerera
Pataive takafa pamweya,taive vana vokusateerera,tizere hunhu hwa Satani zvikurusei kusateedzera zvinodiwa naMwari.Asi ivo Mwari vakatinunura kubva mukusateerera vakatipinza munzira yekuteerera Mwari.Zvakadaro kune vamwe vanozviti vatendi vachirikufamba munzira dzinopesana nechokwadi.Vangapone here kubva kuhasha dzaMwari.?Havangapone
2. Avo vanonyengerwa
Zvimwe chete zviri kuitika kune avo vanoramba vachiita zvakaipa.Vanovhika chokwadi nekusarurama vanonzwa kusasununguka vachiita zvakaipa vega,naizvozvo vanorezva vamwe kuita mabasa akaipa.Kunyangwe vanhu pavanotozvinzwa mumoyo kuti varikutadza ,vanotokoka vamwewo vazhinji kuti vazvinyengere nekuzvisimbisa nhando pazvakaipa izvozvo.Vamwe vanenge vane kusagutsikana nezvavarikuita asi vanozvisimbisa nemashoko votendera kurasiswa.Kana tichizova vakatendeka kuchokwadi ,hatifanirwe kurasiswa nenhema
3. Kutonga kunoenderera mberi
Kunyangwe tikati”ndakange ndisingazive;ndakanyengerwa”hatikwanise kupukunyuka kutonga KwaMwari,nekuti kutsuurwa kwakakwana kwakatopiwa kare nenzira ye Vhangeri.Naizvozvo tisazungunutswa nevehukama pamwe chete nezvatinoshuwira asi tizvitsaure kubva kuvanakomana vasingateereri.Hapana chikonzero chekuti tibatane nevakatotongwa kare.Vari kumhanya vakananga mukuparadzwa- ikwoku imviro mviro ye kuparadzwawo.Ngatibatanei tishinge kurwisa miedzo izere nhema.Ngatibatanei kuva nemoyo inoteerera kuitira kuti tizadzikise kuda KwaMwari ,vakatidzikinura
Mutariri Sung-Hyun Kim
20 Gumiguru, 2024, Basa reZuva raIshe
Musagovane nevanakomana vokusateerera
VaEfeso 5:6-7
Mutariri Sung-Hyun Kim