Huchenjeri Hwa Mwari

(VaEfeso 5:15)


Huchenjeri hwepasi rino, hunoonekwa nemagadziriro anoita vanhu nyaya dzavanosangana nadzo muhupenyu.Huchenjeri hwaMwari hwakadzama kudarika ipapo.Chakakosha kuvanhuvakanangananekuparadzwa, kuponeswa kwemweya yavo.Huchenjeri hwa Mwari ndohunoita kuti zvigoneke. 

1. Kumutsiridzwa kwehuchenjeri
Patakazvarwa patsva,takagamuchira huchenjeri hwaMwari.Kubva panguva iyoyo,basa redu kushandisa huchenjeri ihwohwo huri matiri.Kuti tizvigone tinofanira kutanga tatozvigamuchira kuti takatopiwa huchenjeri.Tazvigamuchira, tinofanira kunzwisisa kuda kwaMwari.Patinokura mukuziva kuda Kwa Ishe tinonzwisisa moyo waMwari zvakadzama,zvinozotibetsera kuona zvinhu zvose nehuchenjeri hwaivo Mwari. 

2. Zvinokahadza Huchenjeri
Chivi ndicho honzeri huru inotadzisa kuti huchenjeri HwaMwari hushande matiri.Varanda vezvivi kunyange huchenjeri hwaMwari huri mavari ,havakwanisi kurarama vasingarasike nekuti huchenjeri hwacho hausi kushanda mavari.Ava vanoona zvivi sezvisina basa.Vanoramba vachiita zvisakarurama zvinopokana naMwari ,asi havazvione kuti kutadza.Kurerutsa kunzwisisa Mwari kunoita kuti munhu arerutse kururama,zvinozo vaomesa moyo ,votadza kuvenga zvivi. 

3. Nzira yokufamba nayo muhuchenjeri
Zvinosiririsa kuti vatendi vazhinji vanorarama vasina huchenjeri.Hazvirevi kuti havatendi Mwari,asi moyo yavo yakatsauswa nokukara zvinhu,zvinovatadzisa kuteerera Mwari.Tava vana vaMwari.Naizvozvo ngativimbei mushoko ravo.Nekumutsiridza huchenjeri hwavakatipa, ngatifambei takachenjera munzira dzohupenyu dzatakavhurirwa sevana vaMwari.

Mutariri Sung-Hyun Kim

Zvita 22, 2024, Basa reZuva raIshe
Tarira hupenyu hwako wakajekerwa seuyo ane huchenjeri
VaEfeso 5:15
Mutariri Sung-Hyun Kim