Kuda kwa Ishe
(VaEfeso 5:17)
“Naizvozvo regai kusachenjera,asi nzwisisai kuti kuda kwa Ishe chinyi”(VaEfeso5:17).Sei Mwari vakataura mashoko akadai?Inhau here yekuti kuda kwa Ishe kwakakurisa kana kuti kunonetsa?kana kuti dhiabhoro anotikakavadza mukufunga kwedu?
1. Chikonzero chokusatiziva kuda kwaShe
Chikonzero chinoita tisazive kudaKwashe,inhau yekuti nyangwe takapiwa shoko ravo,hatiri koshese tichirimhura.Dhiabhoro anokwanisa kuriba shoko iroro nokuda kwekuti hatiri gamuchiri.Izwi rekuti nzwisisa kuda kwa Ishe ,”rinoreva kuti moyo yedu inofanira kugara muna Ishe,tisinga rashe kana kumhura shoko ravo asi tichiri gamuchira nemoyo unorevesa mukati kati memoyo yedu.
2. Kunzwisisa se maonero aMwari
Patinosangana nemutendi anoda kuparadza kereke,zvinoita here kuti timukwazise,tichidya naye nekuwadzana naye?Kana munhu achimhura kutenda kwevamwe vatendi akatsiurwa pakutadza kwake,sei achiganza nekuvawo nhengo yekerere uye achimutsiridza kupokana?Umwewo anosvora mharidzo yemuparidzi otorega kutoteerera zvachose,tingati kuda kwaMwari here ikoko?.Mumaonero avo vanoti vanekodzero yekuzviita.Asi chokwadi ndechokuti tinofanira kuona zvinhu semaonero anoita Mwari
3. Kudzika midzi yemoyo yedu muna Mwari
Benzi rinoputira zvido zvaro richiti kuda kwaMwari.Nyangwe zvakadaro Kuda kwaIshe kuri mushoko ravo rinoparidzwa nevafudzi vemakwai.Ngatiisei moyo kuvafudzi vanotaura kudakwashe kunoratidza moyo waMwari.Tikadaro tinokwanisa kunzwisisa kuda kwa Ishe uye tinokwanisa kutevedzera kuda KwaMwari
Mutariri Sung-Hyun Kim
Ndira 5, 2025, Basa reZuva raIshe
Nzwisisai kuti Kuda Kwa Ishe chinyi
VaEfeso 5:17
Mutariri Sung-Hyun Kim