Kururama

(VaEfeso 5:9)


Kururama chibereko chechiedza.”Nokuti chibereko chechiedza chinosanganisira kunaka kwose,kururama nechokwadi” (VaEfeso5:9)Kana takapiwa chiedza chaMwari sechipo,tinofanira kubereka chibereko chokururama pamwechete ne chibereko chokunaka

1. Hunhu hwomukati hwaMwari
Kubereka chibereko chekururama hazvireve kururamisirwa”,kwatinokwanisirwa neropa.Avo vakapenyerwa nechiedza ,vanhu vakatoshandurwa kuita vanhu vakarurama.Chokwadi ndechokuti vanhu havakwanise kusvika pachikero chokururama saMwari panyika.Kunyangwe munhu akarurama zvechikero chikuru haakwanise kuramba ozvigona zvenguva yakareba.Kunyangwe zvakadaro tikatsungirira kutevedzera mirairo yaMwari,tinowedzera chikamu chokufanana navo pahunhu hwomukati

2. Kuteerera nekururama
Kuteerera kutevedzera hwushumiri hwaMwari hweruponeso.Basa raMwari rokuponesa harunoperi nekuti taka regererwa bedzi.Dzamara Kristu vadzokazve,tinofanira kukunda wakaipa.”Vana vadiki,pasawanikwe anokunyengedzai.Uyo anoita zvakarurama,akarurama sezvo,iye akarurama.Uyo anotadza ndewadhiabhori,nokuti dhiabhori wakatadza kubva pokutanga(1Johani3:7) Avo vanotadza ndevadhiabhori asi vanofamba mukururama nokuda kwokuteerera, vakarurama saMwari uye vanoshanda mubasa raMwari roruponeso nekuparadza mabasa owakaipa.

3. Mudziyo yokururama
Iko kutoshandiswa naMwari chiratidzo chokuti paimbovawo nenguva yataishandiswa nadhiabhori asi takasunungurwa mumabasa edu akaipa akare.Hatichaunza miviri yedu se nhengo yekusarurama nezvitadzo asi tavakuzviisa kunaMwari se avo vakamutswa kubva murufu ,uye tave midziyo yakaururama muna Mwari(VaRoma6:13). Patakatendeuka,takasandurwa mukati kuva nohunhu hwaMwari,asi masikirwo edu enyama anonetsana nomweya.Naizvozvo tinorovedzera nyama yedu.Ngatizviise kunMwari semidziyo yakarurama.Tinofanira kunanavira kufanana naMwari muhunhu hwomukati tozvipira kuzadzikisa kubata basa ravo.

Mutariri Sung-Hyun Kim

17 Mbudzi, 2024, Basa reZuva raIshe
Kururama sechibereko chechiedza

VaEfeso 5:9
Mutariri Sung-Hyun Kim