Muteveri
(Va Efeso 5:1)
Vana vanowanzo fanana ne vabereki vavo, zvisiri zve chimiro kana zvekufana pa meso pavo bedzi, asi mu hunhu hwavo. Izvi zvinokonzerwa nekuda kwekuti ivo vana vanotevedzera ma raramiro ne hupenyu hwe vabereki vavo. Vana vakanzwisisa ne kukoshesa rudo rwe vabereki vavo, vanokurawo mu kufanana navo.
1. Vatevedzi veRudo
Sevana vanodiwa naMwari, tinofanira kuva ne maitiro kana hunhu hunenge hwavo. Mwari vakazadzwa ne ngoni ne tsitsi uye vakatiregerera zvachose isu tainge tiri mhandu dzavo. Pedzezvo vakatipa Mwanakomana wavo se chipiriso kuti tiwane kuregererwa. Ndiani ungapokane ne rudo rwakadzama kudai? Se vanhu vakawana nyasha dzekuva vana vaMwari, chatinofanira kunanavira kuita, kuvawo ne rudo rwakadaro, nekuva ne mweya we kuregerera hwatinokwanisirwa ne urwo rudo rwaMwari.
2. Vatevedzi mu Kuregerera
Kuregerera kunosvika makumi manomwe akapetwa kanomwe. Murairo uyu unomira pa chokwadi chekuti Mwari vakayananisira zvitadzo zve vanhu vose, kwete zvemapoka asi zve pasi rose. Izvi zvinosanganisira zvivi zvakaparwa ne vanhu vanotirwadzisa. Naizvozvo, ikodzero yeduwo here kuti tizvitsivire zvivi zva karegererwa naMwari here? Maitiro akadaro anodzosa zve nhau yakagadziriswa naKristu. Izvi hazvina kusiyana ne kusa gamuchira chipiriso chekurovererwa kwake na kusakoshesa zvavakaitwa kare naKristu.
3. Vatevedzi veMwoyo Murefu
Hudzamu hwakanyanya hwe ruregerero hunojekesa kudzika-dzika kwe rudo. Ivai ne rudo rwechokwadi pakati penyu. Murairo uyu unotikurudzira kutsungirira mu rudo, kunyangwe zvakaoma uye zvichirwadza. Vamwe vanotsondora vamwe uye vachikahadza vamwe zvinogona kuti rwadza zvikuru, asi tinofanira kutsungirira kuitira kereke yaMwari irambe yakamira, kwete kuti tingozvitarira isu pachedu bedzi. Asi maringe ne zvinhu zvinogona kuparadza kereke, zvinofanira kugadziriswa munzira yakafanira, asi zvimwe zvinhu zvinoda mwoyo murefu. Mwari rudo. Ngatifambeyi mu rudo se vana vakaregererwa naMwari.
Mutariri Sung-Hyun Kim
Zuva ra29 Gunyana, 2024, Basa reZuva raIshe
VaKristu Vanoenzanisa Mwari
VaEfeso 5:1
Mutariri Sung-Hyun Kim