Ruchiva
(VaEfeso 5:5)
Kuva nezvaunoda hakuna kuipa,zvinhu zvinotarisirwa kumunhu wese.Zisinei ruchiva kuedza kutora zvisingabvumirwi nenzira dzisina kururama,ichi chivi – uye chivi chikuru kuzoita zvinhu zviri maringe nemakaro iwayo
1. Hunhu
Zvaunoita maringe nezvaunochochora zvakafanana neupombwe.Avo vakagara nhaka yehumambo hwaMwari vanofanira kuva naMwari pakati pemoyo wavo,asi mumoya ye vane ruchiva muzere kukara kwavo ,uko kunotora nzvimbo yaMwari.Mwari vanosundirwa parutivi muhupenyu hwavo ,uye zvimwe zvinhu zvakasikwa zvinotora hutongi.Munhu akadaro anoedza kutora nechisimba zvinhu zvisina kutenderwa naMwari,mhedzisiro yacho anokuvadza vamwe opara mhosva yezvisakarurarama kunaMwari
2. Mavambo
Muvambi weruchiva ndiSatani.Aimbove muranda ainamata Mwari,Satani akaratidza kuzvikudza kwake pakupedzisira akagodokera Mwari.Nokuda kweruchiva akaronga mano akaipa akaita maringe nezvaakange aronga.Chikamu chimwe muzvitatu chengirozi dzokudenga chakapesvedzerwa nokukurudzira kwake,ngirozi idzodzo dzakamukira Mwari asi dzikawisirwa panyika,naizvozvo dzakamirira zuva rekuparadzwa.Kunyangwe nhasi dzinonyengera vanhu kuti vasaona kubwinya kwaMwari uye shungu dzavo kuparadza kereke
3. Mhedzisiro
Kuedza kuparadza kereke kuri kuitwawo nevanozviti vatendi.Ko avo vari voumambo hwaMwari vanogona sei kuita zvakaipa kudaro,toti kwete hazvigone kudaro.Uyo akabarwa naMwari haatadzi nokuti mbeu yake inogara maari,haangatadzi nekuti akabarwa naMwari(1Johani 3:9)Kuita kwavo kwe kukuvadza kereke kunoratidza kubuda kwavo muumambo.Humambo hwakatanga kupfurikidza nekutonga kwaKristu panyika.Saka ngatirege kuisa moyo yedu pazvinhu zvenyika.Ngatiteverei kuda kwaMwari anotitungamirira muumambo hwake husingaperi,ngatiitei basa ratakapiwa nekutenda uye nemoyo murefu
Mutariri Sung-Hyun Kim
20 Gumiguru, 2024, Basa reZuva raIshe
Ruchiva harungagari nhaka youmambo hwaMwari
VaEfeso 5:5
Mutariri Sung-Hyun Kim