Rudo Rwenhema

(VaEfeso 5:3-4)


Munyika inova mupata werufu,Mwari vanotidzivirira uye vanotiviga mumaoko avo erudo.Avo vanoda kufamba murudo urwu vanofanira kutendeka kumurairo waMwari uye vadzivise zvachose zvinorambidzwa naMwari

1. Ufeve
Kunyanya chipfambi hachifaniri kuwanikwa pavatendi.Munyika matigere, kusangana pabonde kunze kwewanano kunotorwa senhando , zvitadzo nemabasa erima zvinonzi zvakanaka ,kuitira kukurudzira kufadza nyama.Asi mabasa aya anopesana ne rudo rwakatenderwa naMwari.Mabasa anoitwa mumuviri wakasikirwa kubwinya KwaMwari ehumbimbindoga ,anoderedza munhu kuti ave chishandiso chekuzvigutsa

2. Nhapwa Yakabatwa
Kune zvinhu zvinovanziwa  serudo zvichivabata  vanhu kumeso.Avo vasina kumbopinda murudo rwechokwadi vanotenda kuti zvinotapira tapira zvine chivimbiso chemufaro usingaperi.Naizvozvo vanomhanyisana nazvo vopedzirisa vave munzira dzechipfambi.Hazvitore nguva yakareba kuti vazopepuka vozozvionera kuti rudo rwakadai kubatwa kumeso.Vanongoramba vachishungurudzika dzamara vapera simbarose vozongoparara

3. Mhinduro yekuvonga

Ngatisiyei chipfambi,mabasa erima neruchiva.Kuzvibata huyanga,kutaura zvinonyadzisira,uye majee ezvepabonde haaenderane nemutendi.Mashoko edu anofanira kuratidza kuvonga nyasha dzaMwari.Vasingavongi vanoona kunge havana kuwana zvakakodzerana navo,voedza kuzadzikisa makaro avo nekushandisa vanhu.Mhinduro yekukara kwanyanya kudai, kuva munhu anovonga.Kuvonga kunozarura meso edu kunezvatakapiwa nekuitirwa naMwari.Ngatisarasikirwe nemuoono uyu,torasiswa nerudo rwenhema.Ngatifambei murudo rwaMwari ,ivo Mwari vanotitungamira muhumambo hwavo husingaperi.

Mutariri Sung-Hyun Kim

13 Gumiguru, 2024, Basa reZuva raIshe
Hatifaniri kumbotaura nezveufeve
VaEfeso 5:3-4
Mutariri Sung-Hyun Kim