Vana veChiedza
(VaEfeso 5:8)
Mwari chiedza munyika ino.Pakauya Jesu panyika, vakauya sechiedza chepasi rino rese. Mwari vanovhenekera chiedza chavo kwatiri, vane chido chekutiponesa. Chavanotarisira kwatiri ndechekuti tione kuti isu pachedu taitovewo rima naizvozvo ngatitendeuke tidzokere mukufamba muchiedza
1. Vanoshingairira kuramba chiedza
Vanhu vanowanzo ramba kugamuchira chiedza,vachiramba kufumurwa upenyu huzere zvivi nezvitadzo zviri mavari.Ishe vakati,”Wese anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye muchiedza,nekuti mabasa ake akaipa anofumuka(Johani3:19-20)Chiedza ndiko kururama waMwari,Kurwisa kwaMwari, kupenya kwavo pane umwe neumwe vachifumura chivi nekusarurama kwose
2. Taimbova Rima pachedu
Taimbove rima .Taive nhapwa ne varanda vaSatani tichishanda mu kukurudzirana munzira dzakaipa.Tairasiswa nenhema-Chombo chikuru chaSatani-uye tichirarama sezvituta,taive tisinga nzwisise kuti tirikuteedzera mabasa aSatani,nekufamba munzira dzake
3. Tava Chiedza Chinopenya
Isu tava chiedza munaIshe.Izvi ndizvo zvakataurwa naiye akauya ari chiedza achiti:”Muri chiedza chenyika”(Mateo5:14)Zvinoreva kuti hatisingori vanhu nje vechiedza,isu pachedu tiri chiedza.Naizvozvo,hunhu hwedu hunofanira kuratidza chiremerera,nzira dzakanaka,nekururama munaShe,avo vakauya panyika kuzotiponesa.Kureurura kwekungoti ,”ndakapoteredzwa nechiedza “kana kuti ndinopinda kerere hazvinakukwana.Tinofanira kupenya nechiedza panyika.Nekuda kwekuti tava zvisikwa zvitsva uye tiri vana vechiedza nenyasha,ngati zadzikisei mabasa atakapiwa nezvinotarisirwa kwatiri.
Mutariri Sung-Hyun Kim
3 Mbudzi, 2024, Basa reZuva raIshe
Zvino mava chiedza munaIshe
VaEfeso 5:8
Mutariri Sung-Hyun Kim